Ngatitende Kristo akatidzikinura
Автор: ZB CATHOLICS
Загружено: 2021-04-09
Просмотров: 15747
Ngatitende Kristo - N.Muchenu
M: S/A Ngatitende Kristo wakatidzikinura nomupiro wakaisvokosha.
V: S/A Kristo ndiye hwayana yedu yepasika yakatibairwa. Ngaitidyei chingwa ichi chechokwadi, ndiJesu akatida kusvikira kwokupedzisira. Ngaatendwe ngaanamatwe, ave nembiri noukuru nokusingaperi. Aleluya, aleluya.
B Kristo ihwayana yepasika, ngatidyei chingwa ichi chipenyu tirarame. Nomupiro uyu Kristo akatiita vadyi venhaka yedenga. Tinomukudza, ngaave nembiri nokusingaperi. Aleluya aleluya.
Madetembo:
1. Mwari tinotenda makatipa Jesu chingwa choupenyu chizere nomunakiro ose unogutsikanisa madiro aani nani wose.
2. Muyukaristiya sande Jesu pachake anotirapa anotiregerera zvivi zvose anotibvisawo zvose zvinorovesa hana.
3. Ropa raKristu rakatinunura rikabvisa mhosva dzedu rikatidzorera kudanga raMwari baba
4. Muyukaristiya sande moyo waJesu ngaurumbidzwe ngauukudzwe zvino nemisi yose.
5. Mukombe woruponeso watinoteketera nechingwa chatinomedura zvinotiita vamwe neropa nomuviri waKristo.
Chorus:
S/A Zvinoda moyo wake zvinongoramba zvakadaro zvokununura vanhu kurufu nokuvaponesa kana vava nenzara. Jesu, mugotigutsa kudenga nokuva nemi narinhi.
B Moyo waJesu tiitirei nyasha, mutinunure, mutiponese. Jesu, mutisvitse kumabiko makuru okudenga, tigozofara narinhi.
Доступные форматы для скачивания:
Скачать видео mp4
-
Информация по загрузке: