Carol Mujokoro - Jesu Wakatifira
Автор: Carol Mujokoro
Загружено: 2025-05-28
Просмотров: 2893
Jesu wakatifira pamuchinjikwa
Wakatisuka neropa rake
Takanga takarasika mumwe nemumwe nenzira yake
Asi mambo Jesu wakatida isu
Tiripano nenyasha dzake
Jesu Kristu ndiye Ishe wemadzishe
Wakapihwa zita pamusoro paose
Ndiye Mambo wamadzimambo
Jesu wakatifira pamuchinjikwa
Wakatisuka neropa rake
Takanga takarasika muzvivi zvedu
Asi mambo Jesu wakatida isu
Tiripano nenyasha dzake
Jesu Kristu ndiye Ishe wemadzishe
Wakapihwa zita pamusoro paose
Ndiye Mambo wamadzimambo
Ngaavongwe ngaarumbidzwe
Ishe wamadzishe mambo wamadzimambo
Shoko raMwari rinodaro kuna VaRoma 5
Naizvozvo, zvatinoruramiswa nokutenda, ngative norugare munaMwari naIshe wedu Jesu Kristu,
Watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi, dzatinomira madziri. Ngatifare netariro yekuona kubwinya kwaMwari.
Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa kuidzwa, kuidzwa kunouyisa tariro, tariro hainyadzisi nekuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu namweya mutsvene watakapihwa. Nekuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari, nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama, nekuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka, asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri, pakuti Kristu wakatifira tichiri vatadzi, rudo rwaJesu rwunoshamisa, Halellujah!
Ngaavongwe ngaarumbidzwe
Ishe wamadzishe mambo wamadzimambo
Ndiye ishe wamadzishe ndiye mambo wamadzimambo
Ndiye ishe wemadzishe ndiye mambo wemadzimambo
Доступные форматы для скачивания:
Скачать видео mp4
-
Информация по загрузке: