MWARI NDINOUYA PAMBERI PENYU(ACCAPPELLA) BY DUMBA SIMANGALISO M
Автор: Cornerstone Chorale
Загружено: 2021-07-13
Просмотров: 636
CORNERS✝️ONE CHORALE
PRESENTS AN ORIGINAL NEW HIT
FROM OUR OWN DIRECTOR
THE TINOCHEMA COMPOSER
PATRON DOYEN DOC OF CORNERSTONE ...
DUMBA SIMANGALISO M
A MORNING PRAYER TO PRAY FOR OUR DAILY TIDINGS OF THE DAY
• Видео
Youtube link , log in and hear this lovely morning prayer
Remember to subsribe and like....
GENRE:SATB
: ROMAN CATHOLIC MUSIC
KEY🗝️
S: Soprano
A: Alto
Intro
S/A :
Mwari ndinouya pamberi penyu
Ishe he
Tenor : Mwari Baba pamberi penyu ndinouya
Bass : Mwari ndinouya uya pamberi penyu Ishe
S/A : Mwari muri Mwari wangu; ndinokutsvagai mangwanani; Mweya wangu une nyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura Mwari ndinouya pamberi penyu
Tenor :Mwari wangu mangwanani mweya wangu unenyota kwamuri nyama yangu inokushuvai panyika yakaoma nyika, Mwari Baba Mwari ndinouya pamberi penyu
Bass :Mwari-hi imi muri Mwari wangu ndinokutsvagai ndinokutsvagai ,nyama yangu inokushuvayi panyika yakaoma inonzwisa inonzwisa-ha nyota isina mvura yehupenyu Mwari ndinouya pamberi penyu
Introit chorus
S/A : Mwari wangu ndinokutsvagai ndichikumbira kuti mundi chengetedzeiwo muchifamba neni.
Mwari fambai neni muswere neni ndichiri muduku ndinotadza ndinotadza Mwari, ndinotadza ndachema nditungamireiwo
Bass :Mwari wangu ndinokutsvagai ndichikumbira kuti mundichengete -dzeiwo muchifamba neni-hi
Mwari Garai neni muswere neni-hi ndichiri muduku ndinotadza ndinotadza ndachema nditungamirirei
Tenor : Mwari wangu ndinokutsvagai ndichikumbira kuti mundichengete -dzeiwo muchifamba neni-hi
Mwari Garai neni muswere neni-hi ndichiri muduku mwari makati hamudi mutadzi afe asikuti atendeuke ararame mamuri
1st verse :
S/A/T : Ndinzwisei unyoro hwenyu nokuti ndinovimba nemi, ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri
Chorus
S|A : Mwari muchanzwa inzwi rangu mangwanani rangu mangwanani Mwari muchanzwa inzwi×2
Bass :Mwari muchanzwa inzwi mangwanani mangwanani Mwari muchanzwa inzwi
Tenor: Mwari mangwanani mangwanani
Mwari muchanzwa inzwi
2nd tenor Munonzwa inzwi munonzwa inzwi rangu mangwanani
2nd detembo
S/A/T : Zvinobatsireiko Mwari kuwana zvose zvenyika ino asi mweya wangu une nyota nemi-hi, Mwari ndibatsireiwo ndione chiso chenyu
Repeat chorus 1
3rd detembo
S/A : Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu ;nokuti ndimi Mwari wangu ;Mweya wenyu wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere
Bass :Ndidzisei kuda kwenyu ndimi Mwari wangu
Mweya wenyu wakanaka Mwari ndifambisei munyika yakati chechetere
Tenor : Mwari ndidzidzisei kuita kuda kwenyu nokuti
Ndimi Mwari wangu
Mweya wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere
Outro
S/A : Mwari imi
T : Mwari baba
B : Mwari
Last chorus
S/A :Ndirwirei pana vavengi wangu zviya zvamakadaidza zvamadanha munhu zvamakadanha munhu, ndirwirei pana vavengi wangu ndatenda muchanditungamirira nhasi.
A : Ndirwirei pana vavengi wangu zviya zvamakadaidza zvamadana munhu huya kwandiri ndichakuponesa ndirwirei pana vavengi wangu ndatenda muchanditungamirira nhasi
Tenor Ndirwirei pana vavengi wangu zviya zvamakadaidza zvamadanha munhu zvamakadanha munhu ndirwirei pana vavengi wangu ndatenda muchanditungamirira nhasi
Bass :Ndirwireiwo pana vavengi vangu zvamakadaidza zvamakadanha munhu zvamakadanha munhu
Ndirwirweiwo pana vavengi vangu ndatenda muchanditungamirira nhasi
Доступные форматы для скачивания:
Скачать видео mp4
-
Информация по загрузке: